Mapisarema 118:1-29
118 Ongai Jehovha, nekuti akanaka;+Rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi.
2 Israeri ngaachiti:
“Rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi.”
3 Vaya veimba yaAroni ngavachiti:
“Rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi.”
4 Vaya vanotya Jehovha ngavachiti:
“Rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi.”
5 Ndakadana Jah* ndichitambudzika;Jah akapindura, akandiisa munzvimbo isina njodzi.*+
6 Jehovha ari kurutivi rwangu; handizotyi.+
Munhu angandiitei?+
7 Jehovha ari kurutivi rwangu semubatsiri wangu;*+Ndichatarisa vaya vanondivenga ndavakunda.+
8 Zviri nani kupotera kuna JehovhaPane kuvimba nevanhu.+
9 Zviri nani kupotera kuna JehovhaPane kuvimba nemachinda.+
10 Marudzi ese akandikomba,Asi muzita raJehovha,Ndakaadzingira kure.+
11 Vakandikomba zvekuti ndakanga ndanyatsopoteredzwa,Asi muzita raJehovha,Ndakavadzingira kure.
12 Vakandimomotera senyuchi,Asi vakakurumidza kudzimwa semoto uri muminzwa.
Muzita raJehovha,Ndakavadzingira kure.+
13 Ndakasundidzirwa nesimba* kuti ndiwire pasi,Asi Jehovha akandibatsira.
14 Jah ndiye anondidzivirira uye ndiye simba rangu,Uye akava ruponeso rwangu.+
15 Inzwi rekufara neruponeso*Riri mumatende evakarurama.
Ruoko rwerudyi rwaJehovha ruri kuratidza simba rarwo.+
16 Ruoko rwerudyi rwaJehovha ruri kusimudzwa ruchikunda;Ruoko rwerudyi rwaJehovha ruri kuratidza simba rarwo.+
17 Handisi kuzofa aiwa, ndicharamba ndiri mupenyu,Kuti ndizivise mabasa aJah.+
18 Jah akandiranga zvakasimba,+Asi haana kundiisa kurufu.+
19 Ndivhurirei magedhi ekururama;+Ndichapinda nepaari ndorumbidza Jah.
20 Iri ndiro gedhi raJehovha.
Vakarurama vachapinda nepariri.+
21 Ndichakurumbidzai, nekuti makandipindura+Uye makava ruponeso rwangu.
22 Dombo rakarambwa nevavakiRazova dombo guru repakona.*+
23 Iri rakabva kuna Jehovha;+Rinoshamisa mumaziso edu.+
24 Iri ndiro zuva rakaitwa naJehovha;Tichafara nekufarisisa mariri.
25 Tapota Jehovha, tinokumbirawo kuti mutiponese!
Jehovha, itaiwo kuti tikunde!
26 Akakomborerwa munhu anouya muzita raJehovha;+Tinokukomborerai tiri mumba maJehovha.
27 Jehovha ndiMwari,Anotipa chiedza.+
Pindai mumudungwe wevanhu vari pamutambo makabata mapazi emuchindwe,+Kusvikira kunyanga dzeatari.+
28 Ndimi Mwari wangu, uye ndichakurumbidzai;Mwari wangu, ndichakukudzai.+
29 Ongai Jehovha,+ nekuti akanaka;Rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi.+
Mashoko Emuzasi
^ “Jah” kupfupikiswa kwezita rekuti Jehovha.
^ Kana kuti “munzvimbo yakakura.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “pamwe nevaya vanondibatsira.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “Wakandisundidzira nesimba.”
^ Kana kuti “nekukunda.”
^ ChiHeb., “musoro wekona.”