Mapisarema 113:1-9

  • Mwari ari kumusoro anosimudza vakaderera

    • Zita raJehovha richarumbidzwa nekusingaperi (2)

    • Mwari anokotama (6)

113  Rumbidzai Jah!* Murumbidzei, imi vashumiri vaJehovha,Rumbidzai zita raJehovha.   Zita raJehovha ngarirumbidzweKubva zvino zvichienda mberi uye nekusingaperi.+   Kubvira pakubuda kwezuva kusvikira pakuvira kwaro,Zita raJehovha ngarirumbidzwe.+   Jehovha ari pamusoro pemarudzi ese;+Kubwinya kwake kuri pamusoro pematenga.+   Ndiani akaita saJehovha Mwari wedu,+Iye anogara* pakakwirira?   Anokotama kuti atarise denga nenyika,+   Achisimudza munhu akaderera kubva muguruva. Anosimudza murombo kubva mumurwi wemadota*+   Kuti aite kuti agare nevakuru vakuru,Nevakuru vakuru vevanhu vake.   Anopa mukadzi asingabereki mushaKuti ave amai vanofara vane vana.*+ Rumbidzai Jah!*

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “Hareruya!” “Ya” kana kuti “Jah” kupfupikiswa kwezita rekuti Jehovha.
Kana kuti “anogara pachigaro cheumambo.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “munorasirwa marara.”
ChiHeb., “vanakomana.”
Kana kuti “Hareruya!” “Ya” kana kuti “Jah” kupfupikiswa kwezita rekuti Jehovha.