Mapisarema 102:1-28
Munyengetero wemunhu akadzvinyirirwa paanenge akaora mwoyo,* odururira zvinomunetsa pamberi paJehovha.+
102 Haiwa Jehovha, inzwai munyengetero wangu;+Kuchemera kwangu kubatsirwa ngakusvike kwamuri.+
2 Musandivanzira chiso chenyu pandinenge ndichitambudzika.+
Rerekerai nzeve yenyu kwandiri;*Ndipindureiwo nekukurumidza pandinoshevedzera.+
3 Nekuti mazuva angu ari kunyangarika seutsi,Uye mapfupa angu asviba kuti ndo-o sechoto.+
4 Mwoyo wangu warohwa nezuva seuswa uye wasvava,+Nekuti ndinokanganwa kudya zvekudya zvangu.
5 Mapfupa angu anamatirana nenyama yangu+Nemhaka yekugomera kwangu.+
6 Ndava sedhadha* remusango;Ndafanana nekazizi kari mumatongo.
7 Ndinorara ndakasvinura;*Ndakaita seshiri iri yega iri padenga remba.+
8 Vavengi vangu vanoswera vachindishora.+
Vaya vanondizvidza* vanotuka vachishandisa zita rangu.
9 Nekuti ndinodya madota sechingwa,+Uye chinwiwa changu chinosanganiswa nemisodzi,+
10 Pamusana pekutsamwa kwenyu nehasha dzenyu,Nekuti makandisimudza mukazongondirasira kure.
11 Mazuva angu ari kuita semumvuri uri kupera,*+Uye ndiri kusvava seuswa.+
12 Asi imi munoramba muriko nekusingaperi, haiwa Jehovha,+Uye mbiri yenyu ichagara* kwezvizvarwa zvese.+
13 Chokwadi muchasimuka monzwira Ziyoni tsitsi,+Nekuti yava nguva yekuti murinzwire nyasha;+Nguva yacho yasvika.+
14 Nekuti vashumiri venyu vanofarira matombo aro+Uye vanoda kunyange guruva raro.+
15 Marudzi achatya zita raJehovha,Uye madzimambo ese epanyika achatya kubwinya kwenyu.+
16 Nekuti Jehovha achavakazve Ziyoni;+Achaoneka achibwinya.+
17 Achateerera munyengetero wevanoshayiwa;+Haazoshori munyengetero wavo.+
18 Izvi zvakanyorerwa chizvarwa chichauya,+Kuti vanhu vasati vaberekwa* vazorumbidza Jah.
19 Sezvo achitarisa pasi ari munzvimbo yake tsvene yakakwirira,+Jehovha anoona nyika ari kumatenga,
20 Kuti anzwe kugomera kwemusungwa,+Kuti asunungure vaya vakatongerwa rufu,+
21 Kuti zita raJehovha rizoziviswa muZiyoni+Uye kurumbidzwa kwake muJerusarema,
22 Panoungana marudzi neumamboKuti vashumire Jehovha.+
23 Akanditorera simba rangu nguva isati yakwana;Akadimburira mazuva angu.
24 Ndakati: “Haiwa Mwari wangu,Musandiparadza ndava pakati peupenyu hwangu,Imi mune makore anoramba aripo kwezvizvarwa nezvizvarwa.+
25 Makavaka nheyo dzenyika kare kare,Uye matenga ibasa remaoko enyu.+
26 Zvichaparara, asi imi mucharamba muripo;Zvichasakara senguo.
Muchazvitsiva sezvinongoitwa zvipfeko, uye zvichapfuura.
27 Asi imi munoramba makadaro, uye makore enyu haazomboperi.+
28 Vana vevashumiri venyu vachagara vakachengeteka,Uye vana vavo vachasimbiswa kwazvo pamberi penyu.”+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “achipera simba.”
^ Kana kuti “Kotamai mundinzwewo.”
^ Kana kuti “sedhadha remuromo murefu.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “Ndaondoroka.”
^ Kana kuti “vanondiita benzi.”
^ Kana kuti “semumvuri uri kureba.”
^ Kana kuti “zita renyu richagara.”
^ ChiHeb., “vasikwa.”