Jobho 33:1-33
33 “Asi iye zvino Jobho, inzwa mashoko angu;Teerera zvese zvandiri kutaura.
2 Chinzwa! Ndinofanira kushama muromo wangu;Rurimi rwangu runofanira* kutaura.
3 Mashoko angu anozivisa kururama kwemwoyo wangu,+Uye miromo yangu inonyatsotaura zvandinoziva.
4 Mweya* waMwari wakandisika,+Uye mweya wekufema weWemasimbaose wakaita kuti ndive mupenyu.+
5 Ndipindure kana uchikwanisa;Ronga mashoko pamberi pangu; gadzirira.
6 Ona! Ndakangofanana newe pamberi paMwari wechokwadi;Ndakaumbwa nevhu sezvawakaitwawo.+
7 Saka haufaniri kunditya,Uye hapana chiri pandiri chinofanira kukutyisa.
8 Asi wakataura ndichinzwa,Ndakaramba ndichingonzwa mashoko aya,
9 ‘Ndakachena, handina chitadzo;+Ndakachena, handina chivi.+
10 Asi Mwari anondiwanira mhosva;Anondiona semuvengi wake.+
11 Anoisa tsoka dzangu muzvisungo zvematanda;*Anopenengura nzira dzangu dzese.’+
12 Asi zvauri kutaura hazvisirizvo, saka ndichakupindura:
Mwari mukuru kwazvo kupfuura munhu.+
13 Nei uchingonyunyuta nezvake?+
Inyaya yekuti haapinduri mashoko ako ese here?+
14 Nekuti Mwari anotaura kamwe chete uye kechipiri,Asi hapana anomuteerera,
15 Kuhope, muchiratidzo cheusiku,+Vanhu pavanofa nehopeVakarara pamibhedha yavo.
16 Anobva avhura nzeve dzavo+Uye anoisa mirayiro yake mavari,
17 Kuti aite kuti munhu arege zvakaipa+Uye kuti aite kuti munhu asazvikudza.+
18 Mwari anoponesa mweya wake kuti usapinda* mugomba,*+Upenyu hwake kuti hurege kuparadzwa nebakatwa.*
19 Munhu anotsiurwawo nemarwadzo ari pamubhedha wakeUye nekurwadza kunenge kuchiita mapfupa ake,
20 Zvekuti anotanga kusema chingwa,Uye anoramba* kunyange zvekudya zvakanaka.+
21 Nyama yake inopera zvekusaoneka,Uye mapfupa ake aisaoneka anobuda pachena.
22 Mweya wake unoswedera* pedyo negomba;*Upenyu hwake hunoswedera pedyo nevaya vanounza rufu.
23 Kana nhume* ikauya kwaari,Mumiririri mumwe chete pachiuru,Kuti izoudza munhu zvinhu zvakarurama,
24 Mwari anobva amunzwira nyasha oti,‘Itai kuti asapinda mugomba!*+
Ndawana rudzikinuro!+
25 Nyama yake ngaive itsva* kupfuura paaiva mudiki;+Ngaadzokere kumazuva esimba reudiki hwake.’+
26 Achateterera Mwari,+ uyo achamufarira,Uye achaona chiso chake achipembera,Uye iye achadzorera munhu kururama kwake.
27 Munhu iyeye achazivisa* vanhu achiti,‘Ndakatadza+ uye ndakakanganisa zvinhu zvakarurama,Asi handina kuwana zvakandikodzera.*
28 Adzikinura mweya wangu kuti urege* kupinda mugomba,*+Uye upenyu hwangu huchaona chiedza.’
29 Chokwadi Mwari anoita zvinhu zvese izviKaviri, katatu, achiitira munhu,
30 Kuti amudzore* kubva mugomba,*Kuti avhenekerwe nechiedza cheupenyu.+
31 Teerera, Jobho! Nditeerere!
Ramba wakanyarara, ndirambe ndichitaura.
32 Kana uine chauri kuda kutaura, ndipindure.
Taura, nekuti ndiri kuda kubudisa pachena kuti hauna mhosva.
33 Kana usina chekutaura, unofanira kunditeerera;Ramba wakanyarara, ndikudzidzise uchenjeri.”
Mashoko Emuzasi
^ ChiHeb., “Rurimi rwangu nemuromo wangu zvinofanira.”
^ Shoko racho rechiHebheru nderekuti ru′ach. Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “nechombo chinoita zvekukandwa.”
^ Kana kuti “muguva.”
^ Kana kuti “upenyu hwake kuti husapinda.”
^ Kana kuti “mweya wake unoramba.”
^ Kana kuti “Upenyu hwake hunoswedera.”
^ Kana kuti “neguva.”
^ Kana kuti “ngirozi.”
^ Kana kuti “muguva.”
^ Kana kuti “neutano.”
^ ChiHeb., “achaimbira.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “Uye hazvina chazvakandibatsira.”
^ Kana kuti “upenyu hwangu kuti hurege.”
^ Kana kuti “muguva.”
^ Kana kuti “adzore mweya wake.”
^ Kana kuti “muguva.”