Jobho 24:1-25
24 “Neiko Wemasimbaose asina kutara nguva yekutonga?+
Nei vaya vanomuziva vasingaoni zuva rake?*
2 Vanhu vanochinja zviratidzo zvemiganhu;+Vanoba makwai voenda nawo kumafuro avo.
3 Vanotinha dhongi renherera voenda naroUye pavanokweretesa chirikadzi, vanoibatira mombe yayo.+
4 Vanoita kuti varombo vabude mumugwagwa;Vasina mubatsiri panyika vanofanira kuvahwanda.+
5 Varombo vanotsvaga zvekudya murenje semadhongi emusango;+Vanotsvagira vana vavo zvekudya mugwenga.
6 Vanotofanira kukohwa muminda yevamwe*Uye vanonhonga zvinenge zvasara muminda yemizambiringa yevakaipa.
7 Vanorara usiku hwese vakashama, vasina chekupfeka;+Havana chekufuka muchando.
8 Vanotota nemvura yemumakomo;Vanoti kwati kwati nematombo vachishaya pekuhwanda.
9 Nherera inobvutwa pazamu raamai vayo;+Uye zvipfeko zvevarombo zvinotorwa kuti zvifanobatwa vachipiwa chikwereti,+
10 Zvoita kuti vafambe vakashama, vasina kupfeka,Uye vaine nzara, vachitakura zvisote zvezviyo.
11 Vanofondoka kuchipisa muminda ine zvidziro iri mumateru emakomo;*Vanotsika-tsika mazambiringa muchisviniro chewaini, asi vanofa nenyota.+
12 Vaya vari kufa vari kungogomera muguta;Vaya vakuvadzwa zvekufa vari* kuchema vachida kubatsirwa,+Asi Mwari haaoni sepane chakaipa.*
13 Pane vaya vanopandukira chiedza;+Havana basa nenzira dzacho,Uye havateveri nzira dzacho.
14 Mhondi inomuka kwaedza;Inouraya asina mubatsiri nemurombo,+Kana hwava usiku inotanga kuba.
15 Ziso remhombwe rinomirira kuti zuva rivire,+Ichiti, ‘Hapana anenge achindiona!’+
Uye inozvifukidza kumeso.
16 Murima, vanopaza vachipinda* mudzimba;Kana ari masikati vanozvipfigira mukati.
Chiedza havatombochizivi.+
17 Nekuti kwavari mangwanani akafanana nerima gobvu;Chavanoziva kutyisa kwerima gobvu.
18 Asi vanokukurwa nemvura nekukurumidza.*
Munda wavo uchatukwa.+
Havazodzoki kuminda yavo yemizambiringa.
19 Kupedzwa kunoitwa chando chinenge chanyunguduka kana kusinganayi uye kuchipisa,Ndiko kupedzwa kunoitwa neGuva* vaya vanenge vaita chivi!+
20 Amai vake vachamukanganwa;* honye dzichaita mabiko paari.
Haazoyeukwizve.+
Uye kusarurama kuchatyorwa semuti.
21 Anoitira zvakaipa mukadzi asingabereki,Uye anobata zvakaipa chirikadzi.
22 Mwari achashandisa simba rake kubvisa vane simba;Kunyange vangakwirira, havana chokwadi neupenyu hwavo.
23 Mwari* anovarega vachiva nechivimbo vakachengeteka,+Asi maziso ake ari pazvese zvavanoita.*+
24 Vanokudzwa kwekanguva, vobva vaparara.+
Vanodzikiswa+ uye vanounganidzwa sezvinongoitwa munhu wese;Vanochekwa sehura* dzezviyo.
25 Saka ndiani achati ndiri kunyepaKana kuti angaramba mashoko angu?”
Mashoko Emuzasi
^ Kureva, zuva rake rekutonga.
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “kukohwa uswa mumunda.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “Vanosvina mafuta pakati pezvidziro zviri mumateru.”
^ Kana kuti “Mweya yevakuvadzwa iri.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “Mwari haapi mumwe munhu mhosva.”
^ ChiHeb., “vanochera vachipinda.”
^ ChiHeb., “Anokurumidza kana ari pamusoro pemvura.”
^ Kana kuti “neSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ ChiHeb., “Chibereko chichamukanganwa.”
^ ChiHeb., “Iye.”
^ ChiHeb., “panzira dzavo.”
^ Ichi ndicho chimusoro chezvirimwa zvakadai sezviyo, chinochekwa panokohwewa.