Isaya 21:1-17
21 Mutongo pamusoro perenje regungwa:*+
Pane chiri kuuya chakaita semadutu anopfuura nekumaodzanyemba,Achibva kurenje, kunyika inotyisa.+
2 Ndaratidzwa zvinhu zvinotyisa:
Munyengeri ari kunyengera,Uye muparadzi ari kuparadza.
Kwidza, haiwa iwe Eramu! Komba, haiwa iwe Medhiya!+
Ndichagumisa kugomera kwese kwaakakonzera.+
3 Ndokusaka ndiri kurwadziwa zvikuru.*+
Ndiri kurwadziwaSezvinoita mukadzi ari kusununguka.
Ndiri kushungurudzika chaizvo zvekutadza kunzwa;Ndiri kunetseka chaizvo zvekutadza kuona.
4 Mwoyo wangu wapera simba; ndiri kubvunda nekutya.
Rubvunzavaeni rwandaida chaizvo ruri kundidederesa.
5 Isai midziyo patafura uye rongai zvigaro!
Idyai uye inwai!+
Simukai imi machinda, zodzai nhoo!*
6 Nekuti Jehovha akati kwandiri:
“Enda unoisa murindi uye muudze kuti ataure zvaanoona.”
7 Zvino iye akaona ngoro yehondo ichikwevewa nemabhiza maviri,Ngoro yehondo yemadhongi,Ngoro yehondo yengamera.
Akanyatsorinda, pfungwa dzese dziri pabasa.
8 Akabva ashevedzera seshumba iri kudzvova, achiti:
“Haiwa Jehovha, ndiri kugara ndakamira panharire* masikati,Uye ndiri panzvimbo yangu yekurinda usiku hwega hwega.+
9 Onai zviri kuuya:
Kune varume vari mungoro yehondo iri kukwevewa nemabhiza maviri!”+
Akabva ashevedzera, achiti:
“Rawa! Bhabhironi rawa!+
Aputsira pasi mifananidzo yese yakavezwa yavanamwari varo!”+
10 Haiwa imi vanhu vangu vakapurwa,Imi mbeu dzakabva paburiro* rangu,+Ndakuudzai zvandanzwa kuna Jehovha wemauto, Mwari waIsraeri.
11 Mutongo pamusoro peDhuma:*
Kune munhu ari kushevedzera kwandiri ari kuSeiri,+ achiti:
“Murindi, hakusati kwava kuedza here?
Murindi, hakusati kwava kuedza here?”
12 Murindi wacho akati:
“Mangwanani ari kuuya, uyewo usiku huri kuuya.
Kana muchida kubvunza, bvunzai.
Uyai zvakare!”
13 Mutongo pamusoro perenje:
Mucharara musango murenje,Haiwa imi mapoka ari parwendo eDhedhani.+
14 Uyai nemvura kuti muchingure ane nyota,Imi vagari vemunyika yeTema,+Uye unzirai chingwa munhu ari kutiza.
15 Nekuti vatiza mapakatwa, vatiza bakatwa rakavhomorwa,Vatiza uta hwakakungwa uye utsinye hwemuhondo yacho.
16 Nekuti Jehovha akati kwandiri: “Mugore rimwe chete, semakore emunhu wemaricho,* kukudzwa kwese kunoitwa Kedhari+ kuchapera.
17 Pavarwi veKedhari pachasara varume vashoma vanopfura neuta, nekuti Jehovha Mwari waIsraeri ataura.”
Mashoko Emuzasi
^ Zvinogona kunge zvichireva nharaunda yekare yeBhabhironia.
^ ChiHeb., “hudyu dzangu dzizere nemarwadzo.”
^ Kana kuti “isai mafuta panhoo.”
^ Iyi inzvimbo yakakwirira inoshandiswa kuona zviri kure.
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kureva kuti “Kunyarara.”
^ Kana kuti “iro rinoverengwa pachinyatsotevedzerwa zvinoitwa nemunhu wemaricho”; kureva, gore rakakwana.