Eksodho 31:1-18
31 Jehovha akaenderera mberi achitaura naMozisi achiti:
2 “Ona, ndasarudza* Bhezareri+ mwanakomana waUrai mwanakomana waHeri wedzinza raJudha.+
3 Ndichamuzadza nemweya waMwari kuti ave neuchenjeri, nekunzwisisa, neruzivo rwemabasa eumhizha emarudzi ese
4 hwekufunga magadzirirwo ezvinhu neunyanzvi, kushanda negoridhe, sirivha, nemhangura,
5 kuveza matombo nekuaronga,+ uye kugadzira zvivezwa zvemiti zvemarudzi ese.+
6 Uyezve, ndagadza Ohoriyabhi+ mwanakomana waAhisamaki wedzinza raDhani kuti amubatsire, uye ndiri kuisa uchenjeri mumwoyo mevanhu vese vane unyanzvi,* kuti vagadzire zvinhu zvese zvandakakurayira zvinoti:+
7 tende rekusanganira,+ areka yeChipupuriro+ nechekukwidibirisa+ chiri pairi, midziyo yese yetende,
8 tafura+ nemidziyo yayo, chigadziko chemarambi chegoridhe rakanatswa nemidziyo yacho yese,+ atari yerusenzi,+
9 atari yekupisira zvibayiro+ nemidziyo yayo yese, mudziyo wekuisira mvura yekugeza nepekuugadzika pacho,+
10 nguo dzakarukwa zvakanaka, nguo tsvene dzemupristi Aroni, nguo dzevanakomana vake dzekuti vashumire sevapristi,+
11 mafuta ekuzodza nawo, uye rusenzi inonhuhwirira yenzvimbo tsvene.+ Ngavaite zvese zvandakakurayira.”
12 Jehovha akatizve kuna Mozisi:
13 “Taura nevaIsraeri uvaudze kuti, ‘Munofanira kuva nechokwadi kuti machengeta masabata angu,+ nekuti iwo chiratidzo pakati pangu nemi muzvizvarwa zvenyu zvese kuti muzive kuti ini, Jehovha, ndiri kukutsvenesai.
14 Munofanira kuchengeta Sabata, nekuti iro chinhu chitsvene kwamuri.+ Munhu wese anorisvibisa anofanira kuurayiwa. Kana pakava nemunhu anoita basa pariri, munhu iyeye anofanira kubviswa pakati pevanhu vake.*+
15 Basa rinogona kuitwa kwemazuva matanhatu, asi zuva rechinomwe isabata rekuzorora zvakakwana.+ Iro chinhu chitsvene kuna Jehovha. Munhu wese anoita basa pazuva reSabata anofanira kuurayiwa.
16 VaIsraeri vanofanira kuchengeta Sabata; vanofanira kuchengeta Sabata muzvizvarwa zvavo zvese. Iyo isungano ichagara iripo.
17 Iyo chiratidzo chichagara chiripo pakati pangu nevaIsraeri,+ nekuti Jehovha akaita denga nenyika mumazuva matanhatu uye pazuva rechinomwe akamira kushanda, akazorora.’”+
18 Paakangopedza kutaura naye muGomo reSinai, akapa Mozisi mahwendefa maviri eChipupuriro,+ mahwendefa edombo akanga akanyorwa nemunwe waMwari.+
Mashoko Emuzasi
^ ChiHeb., “ndadana nezita.”
^ ChiHeb., “vane mwoyo yakachenjera.”
^ Kana kuti “mweya iwoyo unofanira kuurayiwa.”