MUBVUNZO 5
Bhaibheri Rinotaura Nezvei?
“Ndichaisa ruvengo pakati pako nemukadzi, nepakati pevana vako nemwana wake. Iye achakupwanya musoro uye iwe uchamuruma pachitsitsinho.”
“Marudzi ese epanyika achazviwanira chikomborero nekumwana wako nekuti wateerera inzwi rangu.”
“Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe, panyika, sekudenga.”
“Mwari anopa rugare ava kuda kupwanya Satani pasi petsoka dzenyu.”
“Zvinhu zvese pazvinenge zvaiswa pasi pake, Mwanakomana pachake achabva azviisawo pasi peuya akaisa zvinhu zvese pasi pake, kuti Mwari ave zvinhu zvese kuvanhu vese.”
“Vimbiso idzi dzakataurirwa Abrahamu uye mwana wake . . . , iye Kristu. Uyewo kana muri vanhu vaKristu, muri vana vaAbrahamu zvechokwadi.”
“Umambo hwenyika hwava Umambo hwaShe wedu nehwaKristu wake, uye iye achatonga samambo nariini nariini.”
“Saka dhiragoni huru yakakandwa pasi, nyoka yepakutanga, inonzi Dhiyabhorosi uye Satani, uyo ari kutsausa nyika yese; akakandwa panyika, uye ngirozi dzake dzakakandwa pasi pamwe chete naye.”
“Yakabata dhiragoni, nyoka yepakutanga, iye Dhiyabhorosi uye Satani, ikamusunga kwemakore 1 000.”