MUBVUNZO 2
Ungadzidza Sei nezvaMwari?
“Bhuku iri reMutemo harifaniri kubva pamuromo wako, unofanira kuriverenga nenzwi riri pasi pasi siku nesikati, kuti unyatsochengeta zvese zvakanyorwa mariri; nekuti kana ukadaro zvinhu zvichakufambira zvakanaka, uye uchava akachenjera pane zvaunoita.”
“Vakaramba vachiverenga bhuku racho nenzwi riri pamusoro, kubva muMutemo waMwari wechokwadi, vachiutsanangura zvakajeka, vachiududzira; saka vakabatsira vanhu kunzwisisa zvaiverengwa zvacho.”
“Anofara munhu asingafambi maererano nezano revakaipa . . . , asi chaanofarira mutemo waJehovha, uye anoverenga mutemo wake nenzwi riri pasi siku nesikati. . . . Uye zvese zvaanoita zvichabudirira.”
“Firipi akamhanya ari parutivi payo, akamunzwa achiverenga zvinonzwika bhuku remuprofita Isaya, akati: ‘Uri kunzwisisa zvauri kuverenga here?’ Iye akati: ‘Ndinganzwisisa sei pasina ari kunditsanangurirawo?’”
“Kunyange zvazvo Mwari asingaoneki, kubvira pakasikwa nyika, vanhu vagara vachikwanisa kuziva simba rake risingagumi uye kuva kwake Mwari, nekuti vanogona kuzvinzwisisa kubva pazvinhu zvakasikwa, zvekuti havangazoti takanga tisingazivi.”
“Fungisisa zvinhu izvi; nyura mazviri, kuti kufambira mberi kwako kunyatsoonekwa nevanhu vese.”
“Ngativei nehanya nemumwe nemumwe, kuitira kuti tikurudzirane kuva nerudo uye kuita mabasa akanaka, tisingaregi kuungana kwedu.”
“Kana mumwe wenyu asina uchenjeri, ngaarambe achikumbira Mwari uye achahupiwa, nekuti iye anopa munhu wese nemwoyo wese, asingazvidzi.”